2 Ndiani aita kuti pave nemumwe munhu anobva kumabvazuva?+
Achimushevedza mukururama kuti auye patsoka dzake,
Kuti aise marudzi mumaoko ake
Uye kuti amuite kuti akunde madzimambo?+
Ndiani anoaita kuti asare ava guruva pamberi pebakatwa rake,
Semashanga ari kupeperetswa nemhepo, pamberi peuta hwake?