-
Isaya 54:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
54 “Pembera nemufaro, iwe mukadzi ngomwa, asina kubereka!+
Fara uye shevedzera nemufaro,+ iwe asati ambova nemarwadzo ekusununguka,+
Nekuti vanakomana* veuya akasiyiwa vazhinji
Kupfuura vanakomana vemukadzi ane murume,”*+ anodaro Jehovha.
2 “Ita kuti nzvimbo yetende rako iwedzere kukura.+
Tambanudza machira etende etebhenekeri yako huru.
Usarega, rebesa tambo dzako dzetende,
Uye simbisa hoko dzako dzetende.+
-