24 Ndiani akaita kuti Jakobho atorwe nechisimba
Uye kuti Israeri atorwe nevapambi?
Haasi Jehovha here, iye watakatadzira?
Vakaramba kufamba munzira dzake,
Uye havana kuda kuteerera mutemo wake.+
25 Saka akaramba achidururira kutsamwa kwake paari,
Kushatirwa kwake, nehasha dzehondo.+
Zvakaparadza zvinhu zvese zvakanga zvakamupoteredza, asi haana kucherechedza.+
Zvakamupisa, asi haana kuva nehanya nazvo.+