16 Mugore rechi17 raPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi+ mwanakomana waMambo Jotamu weJudha akava mambo. 2 Ahazi aiva nemakore 20 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake zvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+