21 Uye uchati mumwoyo mako,
‘Ndiani baba vevana ava vandiinavo,
Zvandiri mukadzi akashayikirwa nevana, uye asingabereki,
Akatapwa uye akaitwa musungwa?
Ko ava vakarerwa naani?+
Onai! Ndakasiyiwa ndiri ndega,+
Saka ava vabva kupi?’”+
22 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Inzwai! Ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu,
Uye ndichasimudzira marudzi chiratidzo changu.+
Vachauya nevanakomana vako vakavabata mumaoko,
Uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi.+