-
Ruka 1:30-35Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 Saka ngirozi yacho yakati kwaari: “Usatya hako Mariya, nekuti wanzwirwa nyasha naMwari. 31 Uye uchava nepamuviri, wobereka mwanakomana,+ uye unofanira kumutumidza kuti Jesu.+ 32 Uyu achava mukuru+ uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro,+ uye Jehovha* Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi,+ 33 uye achava Mambo paimba yaJakobho nekusingaperi, uye Umambo hwake hahuzogumi.”+
34 Asi Mariya akati kungirozi yacho: “Izvi zvingaitika sei ini ndisiri kurara nemurume?”+ 35 Ngirozi yacho yakamupindura kuti: “Mweya mutsvene uchava pauri,+ uye simba reWekumusorosoro richakufukidza. Saka achaberekwa wacho achanzi mutsvene,+ Mwanakomana waMwari.+
-