8 Nekuti Jerusarema ragumburwa,
Uye Judha yawa,
Nekuti ivo vanopikisana naJehovha nezvavanoita uye zvavanotaura;
Vanoramba kuteerera pamberi pekubwinya kwake.+
9 Zviso zvavo zvinoratidza zvakaipa zvavanoita,
Uye vanotaura chivi chavo pachena seSodhomu;+
Havaedzi kuchivanza.
Vane nhamo, nekuti vari kuzvipinza mudambudziko!