RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 56:6, 7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  6 Kana vari vekune imwe nyika vanouya kuna Jehovha kuti vamushumire,

      Kuti vade zita raJehovha,+

      Uye kuti vave vashumiri vake,

      Vese vaya vanochengeta Sabata uye vasingarisvibisi

      Uye vanobatisisa sungano yangu,

       7 Ndichavaunzawo kugomo rangu dzvene,+

      Ndoita kuti vafare chaizvo muimba yangu yekunyengeterera.

      Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paatari yangu.

      Nekuti imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese.”+

  • Isaya 60:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  3 Marudzi achaenda kuchiedza chako,+

      Uye madzimambo+ kune kupenya kwekubwinya kwako.*+

  • Zekariya 8:22, 23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 Vanhu vazhinji nemarudzi ane simba vachauya kuzotsvaga Jehovha wemauto muJerusarema+ uye kuzoteterera Jehovha kuti avanzwire nyasha.’

      23 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Mazuva iwayo varume gumi vemitauro yese yemarudzi+ vachabata, chokwadi vachanyatsobata nguo* yemuJudha,* vachiti: “Tinoda kuenda nemi,+ nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.”’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe