-
Mika 3:2-4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Asi munovenga zvakanaka+ muchida zvakaipa;+
Munobvisa vanhu vangu ganda ravo nenyama yavo pamapfupa avo.+
3 Munodyawo nyama yevanhu vangu+
Uye munobvisa ganda ravo,
Munotyora mapfupa avo muchiapwanya-pwanya+
Sezvinhu zviri kubikwa muhari uye senyama iri muhari yekubikira.
4 Panguva iyoyo vachashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,
Asi haazovapinduri.
-