RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 6:11, 12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Ndakabva ndati: “Kusvikira riini, haiwa Jehovha?” Iye akati:

      “Kusvikira maguta aparara kuita matongo, asisina anogara maari

      Uye dzimba dzisisina vanhu

      Uye nyika yaparara, isisina chinhu;+

      12 Kusvikira Jehovha aendesa vanhu kure kure+

      Uye kusvikira nzvimbo yakakura yenyika yacho yava dongo.

  • Jeremiya 26:18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 “Mika+ wekuMoresheti akaprofita pamazuva aMambo Hezekiya+ weJudha, uye akati kuvanhu vese veJudha, ‘Zvanzi naJehovha wemauto:

      “Ziyoni richarimwa semunda,

      Jerusarema richava matongo,+

      Uye gomo rine Imba* yacho richaita senzvimbo dzakakwirira dziri musango.”’*+

  • Mariro 2:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  5 Jehovha aita semuvengi;+

      Amedza Israeri.

      Amedza shongwe dzese dzeZiyoni;

      Aparadza nhare dzaro dzese.

      Anoita kuti kuchema nekushungurudzika zviwande mumwanasikana weJudha.

  • Ezekieri 36:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha imi makomo eIsraeri! Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nemipata, kunzvimbo dzakaitwa matongo,+ uye kumaguta asisina vanhu ayo akapambwa uye akasekwa nevanhu vakapona vemarudzi akapoteredza;+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe