-
Dheuteronomi 28:53-55Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
53 Uye uchadya vana vako, nyama yevanakomana vako nevanasikana vako+ vawakapiwa naJehovha Mwari wako, nemhaka yekuomerwa kwaunenge waitwa wakakombwa uye kurwadziswa kwauchaitwa nemuvengi wako.
54 “Kunyange murume ari pakati pako akagarika, ane upenyu hwakanaka, haazonzwiri tsitsi hama yake kana mudzimai wake waanoda kana vanakomana vake vanenge vasara, 55 uye achavanyima nyama yevanakomana vake yaachadya, nekuti anenge asisina kana chinhu nemhaka yekuomerwa kwaanenge aitwa pamusana pekukombwa uye kurwadziswa kwaunenge uchiitwa nemuvengi wako mumaguta ako.+
-