Isaya 13:19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Uye Bhabhironi, umambo hunokudzwa kupfuura humwe hwese,*+Runako uye chidadiso chevaKadheya,+Richava semaguta eSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari.+ Isaya 14:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 “Ndichavarwisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. “Ndichaparadza zita nevakasara nechizvarwa nevazukuru muBhabhironi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. Isaya 21:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Onai zviri kuuya: Kune varume vari mungoro yehondo iri kukwevewa nemabhiza maviri!”+ Akabva ashevedzera, achiti: “Rawa! Bhabhironi rawa!+ Aputsira pasi mifananidzo yese yakavezwa yavanamwari varo!”+
19 Uye Bhabhironi, umambo hunokudzwa kupfuura humwe hwese,*+Runako uye chidadiso chevaKadheya,+Richava semaguta eSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari.+
22 “Ndichavarwisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. “Ndichaparadza zita nevakasara nechizvarwa nevazukuru muBhabhironi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
9 Onai zviri kuuya: Kune varume vari mungoro yehondo iri kukwevewa nemabhiza maviri!”+ Akabva ashevedzera, achiti: “Rawa! Bhabhironi rawa!+ Aputsira pasi mifananidzo yese yakavezwa yavanamwari varo!”+