19 Saka muRabhisheki akati kwavari: “Ndapota, itii kuna Hezekiya, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiriya: “Uri kuvimba nei?+ 20 Uri kuti, ‘Ndine zvandakaronga uye ndine simba rekurwa,’ asi uri kuzvinyepera. Ndiani wauri kuvimba naye, zvekuti uri kushinga kundipandukira?+