RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 26:26
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 26 Kana ndaparadza pamunoisira* chingwa chenyu,+ vakadzi gumi vachabikira chingwa chenyu muovheni imwe chete, vokugovanisai vachiita zvekuyera+ uye muchadya asi hamuzoguti.+

  • Dheuteronomi 28:49
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 49 “Jehovha achatuma rudzi runobva kure+ kuti rukurwise, runobva kumugumo wenyika; ruchakuhwapura sezvinoita gondo,+ rudzi rune mutauro wausinganzwi,+

  • Dheuteronomi 28:51
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 51 Vachadya zvipfuwo zvako zvichaberekwa uye zvibereko zvevhu rako kusvikira waparadzwa. Havana kana chavachasiya pazviyo, waini itsva kana mafuta, mhuru kana makwayana ako kusvikira vakuparadza.+

  • Jeremiya 37:21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 Saka Mambo Zedhekiya akarayira kuti Jeremiya achengetwe muChivanze cheVarindi,+ uye aipiwa chingwa cheraundi zuva nezuva chaibva kumugwagwa wevabiki,+ kusvikira chingwa chese chaiva muguta chapera.+ Uye Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi.

  • Ezekieri 4:16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kuita kuti zvekudya zvipere muJerusarema,*+ uye vachadya chingwa chavo chichiita zvekuyerwa,+ mwoyo yavo ichinetseka chaizvo, uye mvura yavachanwa ichaita zvekuyerwa uye vachainwa vachitya kwazvo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe