RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 19:14-19
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Hezekiya akatora tsamba dzaiva muruoko rwenhume dzacho akadziverenga. Hezekiya akabva aenda kuimba yaJehovha, akadzibhedhenura* pamberi paJehovha.+ 15 Hezekiya akabva atanga kunyengetera+ ari pamberi paJehovha, akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ imi mega ndimi Mwari wechokwadi paumambo hwese hwenyika.+ Ndimi makasika denga nenyika. 16 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu munzwe!+ Haiwa Jehovha, svinurai maziso enyu+ muone! Inzwai mashoko atumirwa naSaniheribhi kuti ashore Mwari mupenyu. 17 Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiriya akaparadza marudzi nenyika dzawo.+ 18 Uye akakanda vanamwari vawo mumoto, nekuti vakanga vasiri vanamwari,+ asi zvinhu zvakagadzirwa nemaoko emunhu,+ danda nedombo. Ndokusaka akakwanisa kuvaparadza. 19 Asi zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu, tapota, tiponesei paruoko rwake, kuti umambo hwese hwepanyika huzive kuti imi mega ndimi Mwari, haiwa Jehovha.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe