-
Isaya 2:2, 3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
Gomo reimba yaJehovha
Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,+
Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,
Uye marudzi ese achadirana achienda kwariri.+
3 Uye marudzi mazhinji achaenda, oti:
“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha,
Kuimba yaMwari waJakobho.+
Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,
Uye isu tichafamba mumakwara ake.”+
-
-
Isaya 56:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Kana vari vekune imwe nyika vanouya kuna Jehovha kuti vamushumire,
Kuti vade zita raJehovha,+
Uye kuti vave vashumiri vake,
Vese vaya vanochengeta Sabata uye vasingarisvibisi
Uye vanobatisisa sungano yangu,
7 Ndichavaunzawo kugomo rangu dzvene,+
Ndoita kuti vafare chaizvo muimba yangu yekunyengeterera.
Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paatari yangu.
Nekuti imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese.”+
-
-
Mika 4:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
Gomo reimba yaJehovha+
Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,
Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,
Uye marudzi achadirana achienda kwariri.+
2 Marudzi mazhinji achaenda, oti:
“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha
Uye kuimba yaMwari waJakobho.+
Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,
Uye isu tichafamba mumakwara ake.”
Nekuti mutemo* uchabuda muZiyoni,
Uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.
-
-
Zekariya 8:22, 23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 Vanhu vazhinji nemarudzi ane simba vachauya kuzotsvaga Jehovha wemauto muJerusarema+ uye kuzoteterera Jehovha kuti avanzwire nyasha.’
23 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Mazuva iwayo varume gumi vemitauro yese yemarudzi+ vachabata, chokwadi vachanyatsobata nguo* yemuJudha,* vachiti: “Tinoda kuenda nemi,+ nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.”’”+
-