14 Saka mupristi Hirikiya, Ahikamu, Akibhori, Shafani, naAsaya vakaenda kumuprofitakadzi Huridha.+ Aiva mudzimai waSharumu mwanakomana waTikvha mwanakomana waHahasi uyo aiona nezvenzvimbo yaichengeterwa nguo. Aigara kuRutivi Rutsva rweJerusarema; uye vakataura naye ikoko.+