-
2 Madzimambo 25:9-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Akapisa imba yaJehovha,+ neimba yamambo,*+ nedzimba dzese dzemuJerusarema;+ akapisawo dzimba dzevarume vese vaikudzwa.+ 10 Rusvingo rwainge rwakapoteredza Jerusarema rwakaputswa neuto rese revaKadheya raiva nemukuru wevarindi.+ 11 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vese vakanga vasara muguta, nevakanga vatiza vakaenda kuna mambo weBhabhironi, nevamwe vanhu vese.+
-
-
Jeremiya 52:13-15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Akapisa imba yaJehovha,+ neimba yamambo,* nedzimba dzese dzemuJerusarema; akapisawo dzimba dzese huru. 14 Rusvingo rwainge rwakapoteredza Jerusarema rwakaputswa neuto rese revaKadheya raiva nemukuru wevarindi.+
15 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vakaderera nevamwe vanhu vese vakanga vasara muguta. Akatorawo vanhu vakanga vatiza vakaenda kuna mambo weBhabhironi, nedzimwe mhizha dzese.+
-