16 Zvanzi naJehovha wemauto:
“Musateerera mashoko evaprofita vari kukuprofitirai.+
Vari kukunyeperai.
Vari kukuudzai zviratidzo zviri kubva mumwoyo yavo,+
Kwete mumuromo maJehovha.+
17 Vari kutaura vataurazve nevaya vasingandiremekedzi vachiti,
‘Jehovha ati: “Muchava nerugare.”’+
Uye kumunhu wese anotevera mwoyo wake wakaoma vanoti,
‘Hapana dambudziko richakuwira.’+