-
Isaya 5:25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
Makomo achazununguswa,
Uye zvitunha zvavo zvichaita semarara mumigwagwa.+
Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,
Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.
-
-
Jeremiya 16:3, 4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Nekuti zvanzi naJehovha pamusoro pevanakomana uye vanasikana vanoberekerwa muno, uye pamusoro pavanaamai vavo vanovabereka uye pamusoro pavanababa vavo vanoita kuti vaberekwe munyika ino: 4 ‘Vachafa nezvirwere zvinouraya,+ asi hapana achavachema kana kuvaviga; vachava semupfudze panyika.+ Vachafa nebakatwa nenzara,+ uye zvitunha zvavo zvichadyiwa neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.’
-