15 “‘Kana vari vapristi vedzinza raRevhi, ivo vanakomana vaZadhoki,+ avo vaiita mabasa emunzvimbo yangu tsvene pakatsauka vaIsraeri,+ vachauya pamberi pangu vachindishumira, uye vachamira pamberi pangu kuti vandipe mafuta+ neropa,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.