-
1 Samueri 17:34, 35Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
34 Dhavhidhi akabva ati kuna Sauro: “Muranda wenyu aifudza makwai ababa vake, uye pakauya shumba+ ikatora gwai kubva muboka. Pane imwe nguva pakauyawo bheya rikaitawo saizvozvo. 35 Asi ndakabuda, ndikazvitevera, ndikazviuraya, ndikanunura makwai acho pamiromo yazvo. Pazvakatanga kundirwisa, ndakabata mvere dzazvo,* ndikazviwisira pasi, ndikazviuraya.
-