RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 2:7, 8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  7 Jehovha anoita kuti munhu ave murombo, uye anopfumisa;+

      Anoderedza, uye anokwidziridza.+

       8 Anosimudza akaderera kubva muguruva;

      Anosimudza murombo kubva pamurwi wemadota,*+

      Kuti avagarise nemachinda,

      Achivapa chigaro chinokudzwa.

      Mbiru dzinotsigisa nyika ndedzaJehovha,+

      Uye anogadzika nyika pamusoro padzo.

  • Pisarema 75:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  7 Nekuti Mwari Mutongi.+

      Anoderedza mumwe munhu, okwidziridza mumwe.+

  • Jeremiya 27:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 ‘Ndini ndakasika nyika, vanhu, nemhuka zviri panyika nesimba rangu guru uye neruoko rwangu rwakatambanudzwa; uye ndakaipa chero munhu wandaida.*+

  • Dhanieri 4:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Izvi zvarayirwa nevarindi,+ uye chikumbiro chacho chaitwa nevatsvene, kuti vanhu vazive kuti Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwese hwevanhu+ uye kuti anohupa waanoda, uye kuti anogadza pahuri kunyange munhu akaderera kupfuura vese.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe