-
Dhanieri 5:11, 12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 Pane mumwe murume ari muumambo hwenyu ane mweya wavanamwari vatsvene. Mumazuva ababa venyu, murume wacho akaonekwa kuti ane nzwisiso nenjere neuchenjeri hwakangoita seuchenjeri hwavanamwari.+ Baba venyu Mambo Nebhukadhinezari, vakagadza murume wacho kuti ave mukuru wevapristi vanoita zvemashiripiti, nen’anga, nevaKadheya,* nevazivi venyeredzi.+ Ndizvo zvakaitwa nababa venyu imi mambo. 12 Nekuti Dhanieri, uyo akatumidzwa kuti Bheteshazari+ namambo, aiva nepfungwa dzakapinza, neruzivo nenjere dzekududzira hope, nekududzira zvirahwe, nekujekesa zvinhu zvakaoma kunzwisisa.+ Saka shevedzai Dhanieri, uye achakuudzai kududzirwa kwacho.”
-