9 Nekuti ivo vapanduki,+ vanakomana vanonyengera,+
Vanakomana vasingadi kunzwa mutemo waJehovha.+
10 Vanoti kuvaoni, ‘Musaona,’
Uye kune vanoratidzwa, ‘Musatiudza zviratidzo zvechokwadi.+
Tiudzei zvinhu zvekubata kumeso; onai zvinhu zvenhema.+
11 Tsaukai panzira; budai mugwara.
Chiregai kuisa Mutsvene waIsraeri pamberi pedu.’”+