-
2 Madzimambo 18:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Mugore rechitatu raHoshea+ mwanakomana waEraa mambo weIsraeri, Hezekiya+ mwanakomana waMambo Ahazi+ weJudha akava mambo. 2 Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vainzi Abhi* mwanasikana waZekariya.+ 3 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,+ sezvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+
-