-
2 Madzimambo 14:23, 24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Mugore rechi15 raAmaziya mwanakomana waJehoashi mambo weJudha, Jerobhoamu+ mwanakomana waMambo Jehoashi weIsraeri akava mambo muSamariya, uye akatonga kwemakore 41. 24 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+
-