3 Jehovha akabva ati kwandiri: “Enda kumukadzi ari kudanana nemumwe murume uye ari kuita upombwe umude zvakare,+ sezviri kuitwa naJehovha uyo anoda vaIsraeri+ kunyange zvazvo vachienda kune vamwe vanamwari+ uye vachida makeke emazambiringa akaomeswa.”