33 Kunyange pashure pekunge izvi zvaitika, Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi akaramba achigadza vapristi venzvimbo dzakakwirira kubva pavanhuwo zvavo.+ Chero munhu aingodawo hake aimugadza kuva mupristi achiti: “Ngaave mumwe wevapristi venzvimbo dzakakwirira.”+