RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Amosi 5:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Nemhaka yekuti munomanikidza murombo kuti abhadhare mutero wemunda

      Uye munomutorera zvirimwa zvake kuti zvive mutero,+

      Hamuzorambi muchigara mudzimba dzenyu dzematombo akavezwa dzamakavaka+

      Uye hamuzonwi waini inobva muminda yemizambiringa yakanaka yamakadyara.+

  • Amosi 8:4-6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  4 Inzwai izvi, imi munotsikirira varombo

      Muchiparadza vanyoro vepanyika,+

       5 Imi vari kuti, ‘Mutambo wekugara kwemwedzi uchapera riini+ kuti titengese zvirimwa zvedu,

      NeSabata+ kuti titengese zvirimwa?

      Kuti tiite kuti efa* ive diki,

      Uye tikudze shekeri,*

      Kuti tibire vanhu nezvikero zvedu zvisina kururama;+

       6 Kuti titenge vanhu vanotambura tichishandisa sirivha

      Uye varombo neshangu mbiri,+

      Uye kuti titengese marara ezvirimwa.’

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe