RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 8:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Hazaeri akabvunza kuti: “Ishe wangu ari kuchemei?” Iye akapindura kuti: “Nekuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vaIsraeri.+ Uchapisa maguta avo akakomberedzwa nemasvingo, uchauraya varume vavo vane simba nebakatwa, uchapwanya-pwanya vana vavo, uye uchabvarura matumbu evakadzi vavo vane pamuviri.”+

  • 2 Madzimambo 10:32, 33
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 32 Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kuita kuti dzimwe nharaunda dzeIsraeri dzitorwe zvishoma nezvishoma. Hazaeri akaramba achivarwisa munharaunda yese yeIsraeri,+ 33 kubvira kuJodhani nechekumabvazuva, nyika yese yeGiriyedhi, kureva yaGadhi, yaRubheni neyaManase,+ kubva kuAroeri, iri pedyo neBani reAnoni,* kusvika kuGiriyedhi neBhashani.+

  • 2 Madzimambo 13:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Jehoahazi akasara neuto raingova nevatasvi vemabhiza 50, nengoro 10, nevarwi vaifamba netsoka 10 000, nekuti mambo weSiriya akanga avaparadza,+ akavatsika-tsika seguruva renguva yekupura.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe