28 Pashure pekunge mambo abvunza mazano kune vamwe, akagadzira mhuru mbiri dzegoridhe,+ akati kuvanhu: “Zvekuenda kuJerusarema zviri kukuremerai. Heuno Mwari wenyu, imi vaIsraeri, uyo akakubudisai munyika yeIjipiti.”+ 29 Akabva aisa imwe mhuru kuBheteri,+ uye imwe yacho akaiisa kuDhani.+