7 Saka Jehovha achaunza pavari
Mvura zhinji ine simba yeRwizi,
Iye mambo weAsiriya+ nembiri yake yese.
Achauya semvura inozadza rwizi
Yofashukira kumahombekombe arwo ese,
8 Opfuura nepakati peJudha.
Achafashamira opfuura, achisvika mumutsipa;+
Mapapiro ake ayo akatambanudzwa achazadza upamhi hwenyika yako,
Haiwa iwe Emanueri!”+