-
2 Madzimambo 21:18-20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Manase akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waAza;+ uye mwanakomana wake Amone akava mambo panzvimbo yake.
19 Amone+ aiva nemakore 22 paakava mambo, uye akatonga kwemakore maviri muJerusarema.+ Amai vake vainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi wekuJotbha. 20 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Manase.+
-