-
Zekariya 6:11-13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 Unofanira kutora sirivha negoridhe wogadzira korona,* woipfekedza mupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki. 12 Uti kwaari,
“‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Heuno murume anonzi Nhungirwa.+ Achatungira panzvimbo yake, uye achavaka temberi yaJehovha.+ 13 Ndiye achavaka temberi yaJehovha, uye ndiye achakudzwa. Achagara pachigaro chake cheumambo otonga, uye achavawo mupristi pachigaro chake cheumambo,+ uye zviviri zvacho* zvichashanda pamwe chete.*
-