-
2 Samueri 5:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Mambo nevarume vake vakaenda kuJerusarema kunorwa nevaJebhusi+ vaigara munyika yacho. VaJebhusi vakashora Dhavhidhi vachiti: “Hausi kuzopinda muno! Kunyange mapofu nevakaremara vachakudzinga.” Mupfungwa dzavo vaiti, ‘Dhavhidhi haasi kuzopinda muno.’+ 7 Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare* yeZiyoni, iyo yava kunzi Guta raDhavhidhi.+
-
-
1 Madzimambo 9:20, 21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
20 Asi kana vari vanhu vese vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ avo vakanga vasiri vaIsraeri,+ 21 zvizvarwa zvavo izvo zvakanga zvasara munyika yacho, vaya vakatadza kuparadzwa nevaIsraeri, vakatorwa naSoromoni kuti vaite basa rekumanikidzwa sevaranda kusvikira nhasi.+
-