RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 7:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 “Jehovha Mwari wako paachakupinza munyika yawava kuda kupinda mairi kuti uitore,+ achabvisawo marudzi ane vanhu vakawanda pamberi pako:+ vaHiti, vaGigashi, vaAmori,+ vaKenani, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ marudzi 7 ane vanhu vakawanda uye ane simba kukupfuura.+

  • Dheuteronomi 7:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Usaroorerana navo. Usaroodza vanasikana vako kuvanakomana vavo, kana kuita kuti vanakomana vako varoore vanasikana vavo.+

  • Vatongi 3:5, 6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 Saka vaIsraeri vakagara pakati pevaKenani,+ vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi. 6 Vaitora vanasikana vemarudzi iwayo kuti vave madzimai avo, vachipawo vanasikana vavo kuvanakomana vemarudzi acho, uye vakatanga kushumira vanamwari vavo.+

  • 1 Madzimambo 11:1, 2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Asi Mambo Soromoni aida madzimai mazhinji ekune dzimwe nyika,+ tisingabatanidzi mwanasikana waFarao:+ aida vakadzi vechiMoabhi,+ vechiAmoni,+ vechiEdhomu, vechiSidhoni+ nevechiHiti.+ 2 Vaiva vemarudzi akanga anzi nezvawo naJehovha kuvaIsraeri: “Regai kupinda pakati pawo,* uye iwo ngaarege kupinda pakati penyu, nekuti chokwadi achaita kuti mwoyo yenyu itevere vanamwari vawo.”+ Asi Soromoni haana kuda kusiyana navo uye aivada.

  • Nehemiya 13:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Mumazuva iwayo ndakaonawo vaJudha vakanga varoora* madzimai+ echiAshdhodhi,+ echiAmoni, neechiMoabhi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe