-
Mako 1:29-34Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
29 Zvadaro, vakabva pasinagogi, vakaenda kumba kwaSimoni naAndreya vaina Jakobho naJohani.+ 30 Amai vemudzimai waSimoni+ vakanga vakarara vachirwara nefivha, uye akabva angoudzwa nezvavo. 31 Akaenda kwavari akavabata ruoko, ndokuvasimudza. Fivha yacho yakabva yapera, ivo vakatanga kuvagadzirira zvekudya.
32 Ava manheru, zuva parakanga ravira, vanhu vakatanga kuuya kwaari nevaya vakanga vachirwara uye vaiva nemadhimoni;+ 33 uye guta rese rakanga rakaungana pasuo chaipo. 34 Saka akarapa vazhinji vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana,+ uye akadzinga madhimoni mazhinji, asi aisabvumira madhimoni acho kuti ataure, nekuti aimuziva kuti ndiKristu.*
-
-
Ruka 4:38-41Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
38 Paakabva pasinagogi, akapinda mumba maSimoni. Amai vemudzimai waSimoni vakanga vachirwara nefivha yakasimba kwazvo, uye akakumbirwa kuti avabatsire.+ 39 Saka akamira pavaiva, akatuka fivha yacho, ikabuda mavari. Vakabva vasimuka pakarepo, vakatanga kuvagadzirira zvekudya.
40 Asi zuva parakanga rava kuvira, vese vaiva nevanhu vanorwara nezvirwere zvakasiyana-siyana vakauya navo kwaari. Akavarapa nekuisa maoko ake pane mumwe nemumwe wavo.+ 41 Madhimoni aibudawo mune vazhinji, achishevedzera kuti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.”+ Asi iye aiatuka, asingaabvumiri kutaura,+ nekuti aiziva kuti ndiKristu.+
-