-
Dheuteronomi 14:8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Uyewo nguruve, nekuti ine mahwanda akaparadzana asi haidzeyi. Haina kuchena kwauri. Usadya nyama yadzo kana kudzibata kana dzafa.
-
-
Ruka 8:31-34Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
31 Uye aimuteterera kuti asaarayira kuenda mugomba rakadzikadzika.+ 32 Paiva nenguruve dzakawanda+ dzaifudzwa mugomo imomo, saka akamuteterera kuti aabvumire kupinda madziri uye akaabvumira.+ 33 Madhimoni acho akabva abuda mumurume wacho, akapinda munguruve, dzikamhanya nepamawere dzichipinda mugungwa, dzikanyura. 34 Asi vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, vakatiza, vakanozvitaura muguta nemumamisha.
-