-
Mako 12:1-9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Akabva atanga kutaura navo achishandisa mifananidzo achiti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akaupoteredza neruzhowa,*+ akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe; akabva ausiya mumaoko mevarimi, akaenda kunze kwenyika.+ 2 Mwaka wekukohwa pawakasvika, akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti anotora michero yemunda wacho wemizambiringa kwavari. 3 Asi vakamubata, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu. 4 Akatumazve mumwe muranda kwavari, uye iyeye vakamurova musoro, vakamuzvidza.+ 5 Akatuma mumwe, vakamuuraya, nevamwezve vakawanda, vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho. 6 Pakanga pasara mumwe chete, mwanakomana wake anodiwa.+ Akatuma iyeye pekupedzisira, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 7 Asi varimi ivavo vakarangana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka.+ Uyai timuuraye, nhaka yova yedu.’ 8 Saka vakamubata, vakamuuraya, vakamukanda kunze kwemunda wemizambiringa.+ 9 Muridzi wemunda wemizambiringa achaita sei? Achauya ouraya varimi vacho, opa vamwe munda wacho wemizambiringa.+
-
-
Ruka 20:9-16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Akabva atanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akausiya mumaoko mevarimi, akaenda kunze kwenyika kwenguva refu.+ 10 Mwaka wekukohwa pawakasvika, akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti vamupe michero yemunda wacho wemizambiringa. Asi varimi vacho vakamuendesa asina chinhu, pashure pekumurova.+ 11 Akatumirazve mumwe muranda. Naiyewo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu. 12 Asi akatumirazve wechitatu; uyuwo vakamukuvadza, vakamukanda kunze. 13 Muridzi wemunda wemizambiringa akabva ati, ‘Ndoita seiko? Regai nditumire mwanakomana wangu wandinoda.+ Pamwe uyu vachamuremekedza.’ 14 Varimi vacho pavakamuona vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka. Ngatimuurayei, kuti nhaka yacho ive yedu.’ 15 Saka vakamukanda kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya.+ Saka muridzi wemunda wemizambiringa achavaita sei? 16 Achauya ouraya varimi ava, opa vamwe munda wacho wemizambiringa.”
Pavakanzwa izvi vakati: “Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kutomboitika!”
-