17 Akatuma muranda wake panguva yekudya kwemanheru kunoudza vanhu vakakokwa kuti, ‘Chiuyai, nekuti zvekudya zvese zvagadzirwa.’ 18 Asi vese vakatanga kupa tuzvikonzero.+ Wekutanga akati kwaari, ‘Ndakatenga munda saka ndinoda kuenda kunouona; ndine urombo, ndakundikana.’