RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dhanieri 3:17, 18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Kana tikakandwa mumoto, Mwari wedu watinonamata ane simba rekutinunura mumoto wacho uye muruoko+ rwenyu imi mambo. 18 Asi kunyange kana akarega kutinunura, imi mambo zivai kuti hatisi kuzoshumira vanamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”+

  • Maraki 3:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 “Munhu angabira Mwari here? Asi imi muri kundibira.”

      Uye munoti: “Takakubirai sei?”

      “Panyaya yezvegumi nemipiro.

  • Mako 12:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Jesu akabva ati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari+ kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ Vakashamiswa nazvo.

  • Ruka 20:25
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 25 Iye akati kwavari: “Saka munofanira kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari,+ asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+

  • Ruka 23:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Vakabva vatanga kumupomera,+ vachiti: “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achirambidza kutera mitero kuna Kesari,+ uye achizviti ndiye Kristu mambo.”+

  • VaRoma 13:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Ipai vese zvakavakodzera: kune anoti anoda mutero, mutero;+ kune anoti anoda muripo, muripo; kune anoti anoda kutyiwa, kutyiwa kwacho;+ kune anoti anoda kukudzwa, kukudzwa kwacho.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe