-
Ruka 4:5-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Saka akaenda naye pakakwirira ndokumuratidza umambo hwese hwenyika munguva pfupi pfupi.+ 6 Dhiyabhorosi akabva ati kwaari: “Ndichakupa simba pane hwese uhwu nekubwinya kwahwo, nekuti hwakaiswa mumaoko angu,+ uye ndinohupa wandinenge ndada. 7 Saka ukangondinamata kamwe chete, hwese hunenge hwava hwako.” 8 Jesu akamupindura achiti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha* Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’”+
-