32 Pavakanga vava kuenda, vanhu vakabva vamuunzira mumwe murume aiva mbeveve akanga akagarwa nedhimoni;+ 33 uye dhimoni racho parakadzingwa, murume uya aiva mbeveve akatanga kutaura.+ Vanhu vazhinji vakashamiswa, vakati: “Zvinhu zvakadai hazvina kumboonekwa muIsraeri.”+