-
Mateu 21:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
21 Pavakaswedera pedyo neJerusarema, vakasvika paBhetifage paGomo reMiorivhi, Jesu akabva atuma vadzidzi vaviri,+ 2 achiti kwavari: “Pindai mumusha wamuri kuona uyu. Muchasvikowana dhongi rakasungirirwa riine mwana waro. Asunungurei muuye nawo kwandiri. 3 Kana pakava nemunhu ane zvaanotaura, munofanira kuti, ‘Ari kudiwa naIshe.’ Achabva angokusiyai muchiuya nawo.”
-
-
Ruka 19:29-34Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
29 Uye paakanga ava pedyo neBhetifage neBhetani pagomo rinonzi Gomo reMiorivhi,+ akatuma vadzidzi vake vaviri,+ 30 achiti: “Pindai mumusha wamuri kuona uyu, uye kana mapinda imomo muchawana mwana wedhongi akasungirirwa, asati ambotasvwa nemunhu. Musunungurei muuye naye kuno. 31 Asi kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kurisunungurirei?’ munofanira kuti, ‘Riri kudiwa naIshe.’” 32 Saka vaya vakatumwa vakaenda, vakawana zvakangoita sezvaakavaudza.+ 33 Asi pavakanga vachisunungura mwana wacho wedhongi, varidzi vacho vakati kwavari: “Muri kusunungurirei dhongi iroro?” 34 Ivo vakati: “Riri kudiwa naIshe.”
-