-
Ruka 23:20-25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
20 Pirato akashevedzerazve kwavari, nekuti aida kusunungura Jesu.+ 21 Vakabva vatanga kushevedzera, vachiti: “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!”+ 22 Kechitatu akati kwavari: “Nemhosva yei? Atadzeiko murume uyu? Hapana chandawana chaakaita chakakodzera rufu; saka ndichamuranga ndomusunungura.” 23 Vakabva varamba vachingoshevedzera nemanzwi makuru vachiti aurayiwe, uye manzwi avo akakunda.+ 24 Saka Pirato akapa mutongo wekuti zvavaida zviitwe. 25 Akasunungura murume wavakati asunungurwe, uyo akanga akandwa mujeri nemhosva yekubatsira pakupandukira hurumende uye yekuponda, asi akavapa Jesu sezvavaida.
-