55 Asi vakadzi vakanga vabva naye kuGarireya vakaendawo, vakatarisa guva racho, vakaona kuti chitunha chake chakanga charadzikwa sei,+ 56 uye vakadzokera kunogadzirira zvinonhuhwirira nemafuta anonhuhwirira. Asi sezvagara zvichiitwa, vakazorora paSabata+ maererano nemurayiro.