-
Mateu 3:7-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Paakaona vaFarisi nevaSadhusi+ vazhinji vachiuya kwaaibhabhatidzira, akati kwavari: “Imi vana venyoka,+ ndiani akakunyeverai kuti mutize hasha dziri kuuya?+ 8 Saka berekai zvibereko zvinoratidza kuti muri kupfidza zvivi zvenyu. 9 Musazvifurira muchiti, ‘Abrahamu ndiye baba vedu.’+ Nekuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kuita kuti matombo aya ave vana vaAbrahamu. 10 Demo ratova pamidzi yemiti. Muti wese usingabereki zvibereko zvakanaka unofanira kutemerwa pasi wokandwa mumoto.+
-