-
Mako 1:35-38Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
35 Mangwanani-ngwanani, kunze kuchakasviba, akamuka, akabuda panze, akaenda kwake ega, akatanga kunyengetera.+ 36 Asi Simoni nevaya vaaiva navo vakatanga kumutsvaga 37 uye vakamuwana vakati kwaari: “Munhu wese ari kukutsvagai.” 38 Asi akati kwavari: “Ngatiendei kune dzimwe nzvimbo, mumaguta ari pedyo, kuti ndiparidzewo ikoko, nekuti izvi ndizvo zvandakauyira.”+
-