-
Eksodho 20:9, 10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Unofanira kushanda uchiita basa rako rese kwemazuva matanhatu,+ 10 asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako. Usaita chero basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana murandarume wako kana murandasikana wako, kana chipfuwo chako kana mutorwa wako ari maunogara.*+
-
-
Dheuteronomi 5:13, 14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Unofanira kushanda uchiita basa rako rese kwemazuva matanhatu,+ 14 asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako.+ Usaita chero basa ripi zvaro,+ iwe kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako kana murandarume wako kana murandasikana wako kana mombe yako kana dhongi rako kana chipfuwo chako chero chipi zvacho kana mutorwa wako ari mumaguta* ako,+ kuti murandarume wako nemurandasikana wako vazororewo sewe.+
-